2 Kings 10

Mhuri yaAhabhu inourayiwa

1Zvino muSamaria maiva navanakomana vaAhabhu makumi manomwe. Saka Jehu akanyora matsamba akatumira kuSamaria achiti: kuvabati veJezireeri, kuvakuru navachengeti vavana vaAhabhu. Akati, 2“Panongosvika tsamba iyi kwamuri, sezvo vana vatenzi wenyu vanemi uye ngoro namabhiza munazvo, guta rakakombwa uye nezvombo, 3sarudzai mwanakomana watenzi wenyu akanaka, uye anokudzwa kukunda vose mugomugadza pachigaro choushe chababa vake. Ipapo mugorwira imba yatenzi wenyu.”

4Asi vakavhunduka vakati, “Kana madzimambo maviri asina kumukunda, isu tingamugona seiko?”

5Naizvozvo mutariri wapamuzinda, nomukuru weguta, navakuru navareri vakatuma shoko kuna Jehu vakati, “Tiri varanda venyu uye tichaita zvose zvamunoreva. Hatichagadzi ani zvake kuti ave mambo; imi itai zvose zvamunofunga kuti zvakanaka.”

6Ipapo Jehu akavanyorerazve tsamba yechipiri akati, “Kana muri kurutivi rwangu uye muchizonditeerera, uyai nemisoro yavanakomana vatenzi wenyu kwandiri muJezireeri nenguva ino mangwana.”

Zvino machinda amambo, makumi manomwe, vakanga vane varume vaitungamirira guta, vaiva vachengeti vavo.
7Tsamba yakati yasvika kwavari, varume ava vakatora vanakomana vamambo vakavauraya vose vari makumi manomwe. Vakaisa misoro yavo mumatengu vakaitumira kuna Jehu muJezireeri. 8Nhume yakati yasvika, yakaudza Jehu kuti, “Vauya nemisoro yavanakomana vamambo.”

Ipapo Jehu akavarayira akati, “Irongei mumirwi miviri pasuo reguta kusvikira mangwana.”

9Fume mangwana Jehu akamuka akabuda. Akamira pamberi pavanhu vose akati kwavari, “Imi hamuna mhosva. Ndini ndakamukira tenzi wangu ndikamuuraya, asi ndiani auraya ava vose? 10Muzive zvino kuti hakuna shoko rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhu richawira pasi. Jehovha aita zvaakavimbisa kubudikidza nomuranda wake Eria.” 11Saka Jehu akauraya vose vakasara veimba yaAhabhu vaiva muJezireeri, namakurukota ake ose, neshamwari dzake dzepedyo navaprista, akasamusiyira mupenyu.

12Zvino Jehu akasimuka akananga kuSamaria. Paimba yaiveurirwa makwai navafudzi, 13akasangana nehama dzaAhazia mambo weJudha akavabvunza akati, “Ndimi vanaaniko?”

Ivo vakati, “Tiri hama dzaAhazia, tauya kuzokwazisa mhuri dzamambo nedzamambokadzi.”

14Akarayira akati, “Vatorei vari vapenyu!” Naizvozvo vakavatora vari vapenyu vakandovauraya patsime rapaimba yaiveurirwa makwai, varume makumi mana navaviri. Haana kusiya mupenyu.

15Abva ikoko, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akanga ari munzira kuzosangana naye. Jehu akamukwazisa akati, “Unondifarira here, sokufarira kwandinokuita.”

Jehonadhabhi akati, “Hongu.”

Jehu akati, “Kana zviri izvo ndipe ruoko rwako.” Akaita saizvozvo, Jehu akamukwidza mungoro.
16Jehu akati kwaari, “Uya uone kushingairira kwangu Jehovha.” Ipapo akafamba naye mungoro yake.

17Jehu akati asvika kuSamaria, akauraya vakasara vose veimba yaAhabhu; akavaparadza, sezvakanga zvarehwa neshoko raJehovha kuna Eria.

Vashumiri vaBhaari vanourayiwa

18Ipapo Jehu akaunganidza vanhu vose pamwe chete akati kwavari, “Ahabhu akashumira Bhaari zvishoma; Jehu achamushumira zvakanyanya. 19Zvino chikokai vaprofita vose vaBhaari, navashumiri vake vose. Muone kuti hapana anosara, nokuti ndiri kuzoita chibayiro chikuru chaBhaari. Ani naani achatadza kuuya haangararami.” Asi Jehu akanga achivanyengera achiitira kuti aparadze vashumiri vaBhaari.

20Jehu akati, “Danidzirai ungano yokuremekedza Bhaari.” Naizvozvo vakadanidzira. 21Ipapo akatuma shoko muIsraeri mose, vashumiri vose vaBhaari vakauya; hapana kana mumwe chete akasara. Vakatsikirirana mutemberi yaBhaari kusvikira yazara kubva kuno rumwe rutivi kusvika kuno rumwe. 22Zvino Jehu akati kumuchengeti wezvipfeko, “Uya nenguo dzavashumiri vaBhaari.” Naizvozvo akavavigira nguo.

23Ipapo Jehu naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi vakapinda mutemberi yaBhaari. Jehu akati kuvashumiri vaBhaari, “Tarirai muone kuti pakati penyu hapana varanda vaJehovha vari pano nemi, asi vashumiri vaBhaari chete.” 24Naizvozvo vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu akanga amisa panze varume makumi masere neyambiro yokuti: “Kana mumwe wenyu akarega mumwe wavarume ava vandaisa mumaoko enyu achipunyuka, zvichareva kuti iye achamufira.”

25Jehu akati achangopedza kuita chipiriso chinopiswa, akabva arayira varindi navakuru akati, “Pindai mukati munovauraya; ngaparege kuva neanopunyuka.” Naizvozvo vakavauraya nomunondo. Varindi navakuru vakakanda zvitunha zvavo kunze uye vakapinda munhare yomukati metemberi yaBhaari. 26Vakabudisa dombo rinoera kunze kwetemberi yaBhaari vakaripisa. 27Vakaparadza dombo rinoera raBhaari vakaputsa temberi yaBhaari, uye vanhu vakaishandisa sechimbuzi kusvikira nhasi.

28Naizvozvo Jehu akaparadza chinamato chaBhaari muIsraeri. 29Kunyange zvakadaro, haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti vaIsraeri vaite, nokunamata mhuru yegoridhe paBheteri napaDhani.

30Jehovha akati kuna Jehu, “Nokuti wakaita zvakanaka mukuzadzisa izvo zvakarurama pamberi pangu uye ukaita kuimba yaAhabhu zvose zvandaiva nazvo mupfungwa kuti ndiite, vana vako vachagara pachigaro choushe cheIsraeri kusvikira kuchizvarwa chechina.” 31Asi Jehu haana kuchenjerera kuchengeta murayiro waJehovha, Mwari waIsraeri, nomwoyo wake wose. Haana kutsauka kubva pazvivi zvaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite.

32Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kutapudza vaIsraeri. Hazaeri akakurira vaIsraeri munyika yavo yose 33kumabvazuva eJorodhani munyika yose yeGireadhi (dunhu raGadhi, neraRubheni neraManase), kubva kuAreori nepaMupata weAnoni zvichipfuura nomuGireadhi kusvikira kuBhashani.

34Zvino mamwe mabasa okutonga kwaJehu, nezvose zvaakaita, uye nokubudirira kwake kwose, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?

35Jehu akazorora namadzibaba ake akavigwa muSamaria. Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paumambo. 36Jehu akabata ushe pamusoro peIsraeri muSamaria kwamakore makumi maviri namasere.

Copyright information for SnaBDSC